
Verenga kana kuteerera ndima inotevera
1 Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. 2 Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara. 3 Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”
4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
5 Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, 6 “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
“Acharayira vatumwa vake pamusoro pako
uye vachakusimudza namaoko avo
kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
7 Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
8 Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, 9 akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”
10 Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”
11 Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.
Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.
Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.