
Verenga kana kuteerera ndima inotevera
1 Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi), 2 uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere. 3 Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake. 4 Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo.
5 Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?” 6 Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.
7 Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!”
8 Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati, 9 “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?”
10 Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. 11 Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
12 Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.” 13 Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.
14 Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.” 15 Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga.
16 Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa, 17 uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari. 18 Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha. 19 Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. 20 Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” 21 Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
22 Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga. 23 Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe. 24 Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.
25 Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?”
26 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta. 27 Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”
28 Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?”
29 Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
30 Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiratidza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko? 31 Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’ ”
32 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. 33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”
34 Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.”
35 Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota. 36 Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino. 37 Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.
Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.
Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.