
Verenga kana kuteerera ndima inotevera
1 Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake akayambuka Mupata weKidhironi. Parutivi penzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo.
2 Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake. 3 Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo.
4 Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Munotsvaka ani?”
5 Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.”
Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.) 6 Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
7 Akapamhazve kuvabvunza achiti, “Ndianiko wamunoda?”
Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”
8 Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.” 9 Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.”
10 Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.)
11 Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?”
12 Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga. 13 Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro. 14 Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu.
15 Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru, 16 asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati.
17 Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?”
Iye akapindura akati, “Handisi.”
18 Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto.
19 Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake.
20 Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande. 21 Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.”
22 Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?”
23 Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?” 24 Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru.
25 Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?”
Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.”
26 Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?” 27 Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira.
28 Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika. 29 Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?”
30 Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.”
31 Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.”
VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.” 32 Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe.
33 Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”
34 Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?”
35 Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?”
36 Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.”
37 Pirato akati, “Saka uri mamboka!”
Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.”
38 Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu. 39 Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?”
40 Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.
1 Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe. 2 Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru 3 vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso.
4 Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.” 5 Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!”
6 Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!”
Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.”
7 VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”
8 Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya, 9 uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura. 10 Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?”
11 Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.”
12 Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.”
13 Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata). 14 Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu.
Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.”
15 Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!”
Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?”
Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.”
16 Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe.
Saka varwi vakatora Jesu.
Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.
Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.