Ziva

Chidzidzo 5

Ida, Teerera uye Gamuchira Mweya Mutsvene

Johani 14: 15-21

Danho rekutanga: Verenga nyaya yacho

Verenga kana kuteerera ndima inotevera

x1.0

Jesu Anovimbisa Mweya Mutsvene

15 “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai. 16 Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, 17 iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu. 18 Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. 19 Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. 20 Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri. 21 Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”

Danho rechipiri: Taura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako

Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.

Danho rechitatu: Ziva nyaya yacho

Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.


Get it on Google Play
Download on the App Store

Get Discovery Bible Studies on your phone

Discover copyright ©2015-2026 discoverapp.org