Ziva

Chidzidzo 1

Kutanga uine magumo enyaya mupfungwa

Zvakazarurwa 7: 9-12

Danho rekutanga: Verenga nyaya yacho

Verenga kana kuteerera ndima inotevera

x1.0

Vazhinji zhinji vakanga vakapfeka nguo chena

    

9 Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo. 10 Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti:
  “Ruponeso ndorwaMwari wedu,
  anogara pachigaro choushe,
  uye ndorweGwayana.”
11 Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari, 12 vachiti:
  “Ameni!
  Kurumbidzwa nokubwinya
  nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa
  noushe nesimba
  ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri.
  Ameni!”

Danho rechipiri: Taura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako

Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.

Danho rechitatu: Ziva nyaya yacho

Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.


Get it on Google Play
Download on the App Store

Get Discovery Bible Studies on your phone

Discover copyright ©2015-2026 discoverapp.org