
Verenga kana kuteerera ndima inotevera
35 Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose. 36 Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi. 37 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma. 38 Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”
1 Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
2 Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri:
wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea;
Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani;
3 Firipi naBhatoromeo;
Tomasi naMateo muteresi;
Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo;
4 Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.
5 Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria. 6 Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. 7 Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ 8 Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo. 9 Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; 10 musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.
11 “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. 12 Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. 13 Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14 Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. 15 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro. 16 Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.
Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.
Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.