Ziva

Chidzidzo 5

Kudanirwa kune vasati vasvikirwa neevhangeri

VaRoma 15: 14-23

Danho rekutanga: Verenga nyaya yacho

Verenga kana kuteerera ndima inotevera

x1.0

Pauro mushumiri kune veDzimwe Ndudzi

14 Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana. 15 Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari 16 kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kune veDzimwe Ndudzi, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti veDzimwe Ndudzi vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.

17 Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari. 18 Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira veDzimwe Ndudzi kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita, 19 nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu. 20 Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu. 21 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:
  “Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona,
    uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”
22 Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri.

Urongwa hwaPauro hwokushanyira Roma

23 Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri,

Danho rechipiri: Taura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako

Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.

Danho rechitatu: Ziva nyaya yacho

Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.


Get it on Google Play
Download on the App Store

Get Discovery Bible Studies on your phone

Discover copyright ©2015-2026 discoverapp.org