Ziva

Chidzidzo 2

Tariro kune Vasiri veChitendero

Ruka 18: 9-17

Danho rekutanga: Verenga nyaya yacho

Verenga kana kuteerera ndima inotevera

x1.0

Mufananidzo womuFarisi noMuteresi

9 Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati, 10 “Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi. 11 MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu. 12 Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’

13 “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’

14 “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”

Jesu navana vaduku

15 Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura. 16 Asi Jesu akadana vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. 17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”

Danho rechipiri: Taura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako

Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.

Danho rechitatu: Ziva nyaya yacho

Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.


Get it on Google Play
Download on the App Store

Get Discovery Bible Studies on your phone

Discover copyright ©2015-2026 discoverapp.org